Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 24:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.

5. Iye achagamuchira mukomborero unobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.

6. Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka, ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera

7. Simudzai misoro yenyu, imi masuo; musimudzwe, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.

8. Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Jehovha ane simba pakurwa.

9. Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muasimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.

10. Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya? Jehovha Wamasimba Ose, ndiye Mambo wokubwinya. Sera

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 24