Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 21:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu. Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa!

2. Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake, uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake. Sera

3. Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma, uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena.

4. Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuva mazhinji, nokusingaperi-peri.

5. Kubudikidza nokukunda kwamakamupa, kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa.

6. Zvirokwazvo makamupa maropafadzo anogara nokusingaperi, mukamufadza nomufaro pamberi penyu.

7. Nokuti mambo anovimba naJehovha; nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro, iye haangazungunuswi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 21