Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 20:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha ngaakupindure paunotambudzika; zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.

2. Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.

3. Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera

4. Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.

5. Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako, uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu. Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira.

6. Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; anomupindura ari kudenga rake dzvene, nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi.

7. Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza, asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.

8. Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa, asi isu tinosimuka tigomira takasimba.

9. Haiwa Jehovha, ponesai mambo! Tipindurei patinodana!

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 20