5. Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,
6. “Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.”
7. Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako.
8. Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako.
9. Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”