3. Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasha mabote avo.”
4. Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira.
5. Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,
6. “Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.”
7. Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako.
8. Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako.
9. Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”
10. Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika.
11. Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera.
12. Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.