Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 2:3-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasha mabote avo.”

4. Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira.

5. Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,

6. “Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.”

7. Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako.

8. Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako.

9. Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”

10. Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika.

11. Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera.

12. Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 2