Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 2:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndudzi dzinoitireiko bope? Uye vanhu vanorangarireiko zvisina maturo?

2. Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.

3. Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasha mabote avo.”

4. Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira.

5. Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,

6. “Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 2