Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 19:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano.

8. Zvirevo zvaJehovha zvakarurama, zvinopa mufaro kumwoyo. Murayiro waJehovha unopenya, unopa chiedza kumaziso.

9. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama.

10. Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga.

11. Muranda wenyu anoyambirwa nazvo; pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.

12. Ndianiko angaziva kukanganisa kwake? Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.

13. Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni; ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu. Ipapo handizovi nemhosva, ndisina mhaka yokudarika kukuru.

14. Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 19