Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 18:4-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza.

5. Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni.

6. Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.

7. Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika;

8. Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta.

9. Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.

10. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo.

11. Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga.

12. Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni.

13. Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika.

14. Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake, kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa.

15. Mipata yegungwa yakaiswa pachena, uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena pakutuka kwenyu, imi Jehovha, nokufema kwemhino dzenyu.

16. Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika.

17. Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 18