Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 18:36-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

36. Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.

37. Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa.

38. Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu.

39. Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu.

40. Makaita kuti vavengi vangu vatize, uye ndakaparadza vavengi vangu.

41. Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.

42. Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo; ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha.

43. Makandirwira pakurwisa kwavanhu; makandiita musoro wendudzi; vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu.

44. Pavanongondinzwa, vanonditeerera; vatorwa vanokotama pamberi pangu.

45. Vose vanoora mwoyo; vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera.

46. Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu!

47. Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 18