Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 18:25-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,

26. kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu, asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu.

27. Munoponesa vanozvininipisa, asi muchideredza vane meso anozvikudza.

28. Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta; Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza.

29. Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.

30. Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.

31. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?

32. NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu.

33. Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.

34. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira.

35. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru.

36. Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.

37. Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa.

38. Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu.

39. Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 18