Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 18:17-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri.

18. Vakandinanga nezuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.

19. Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira.

20. Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu; nokuchena kwamaoko angu.

21. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu.

22. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka pazvirevo zvake.

23. Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi.

24. Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu, zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.

25. Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 18