Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 18:10-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo.

11. Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga.

12. Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni.

13. Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika.

14. Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake, kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa.

15. Mipata yegungwa yakaiswa pachena, uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena pakutuka kwenyu, imi Jehovha, nokufema kwemhino dzenyu.

16. Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika.

17. Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri.

18. Vakandinanga nezuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 18