Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 18:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.

2. Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.

3. Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.

4. Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza.

5. Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni.

6. Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.

7. Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika;

8. Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta.

9. Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.

10. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo.

11. Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 18