Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 17:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Haiwa Mwari, ndinodana kwamuri, nokuti muchandipindura; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, munzwe munyengetero wangu.

7. Ratidzai kushamisa kworudo rwenyu rukuru, imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, avo vanovanda vavengi vavo mamuri.

8. Ndichengetei semboni yeziso renyu; ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,

9. kubva kuno wakaipa anondirwisa, kubva kuvavengi vangu, vanoda kundiuraya, vakandikomberedza.

10. Vanodzivira mwoyo yavo yakavangarara, uye miromo yavo inotaura nokuzvikudza.

11. Vakandironda, zvino vandikomba, vanocherechedza nameso avo kuti vandiwisire pasi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 17