Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 17:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Vanodzivira mwoyo yavo yakavangarara, uye miromo yavo inotaura nokuzvikudza.

11. Vakandironda, zvino vandikomba, vanocherechedza nameso avo kuti vandiwisire pasi.

12. Vakaita seshumba ine nzara yechokudya, seshumba huru yakavandira pakavanda.

13. Haiwa, Jehovha, simukai, mirai pamberi pavo, vawisirei pasi; ndirwirei nomunondo wenyu pano wakaipa.

14. Haiwa, Jehovha, ndiponesei noruoko rwenyu kubva kuvanhu vakadai, kubva kuvanhu venyika ino vano mubayiro uri muupenyu huno. Munopedza nzara yaavo vamunoda; vanakomana vavo vane zvakawanda, uye vanounganidzira vana vavo pfuma.

15. Zvino ini mukururama, ndichaona chiso chenyu; pandinomuka, ndichagutswa nokuona mufananidzo wenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 17