1. Inzwai, imi Jehovha, mukumbiro wangu wakarurama; inzwai kuchema kwangu. Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, usingabvi pamiromo inonyengera.
2. Kururamiswa kwangu ngakubve kwamuri; meso enyu ngaaone zvakarurama.
3. Kunyange mukaedza mwoyo wangu nokundiongorora usiku, kunyange mukandiedza, hamungawani chinhu; ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kutadza.
4. Kana ari mabasa avanhu, neshoko remiromo yenyu, ndakanzvenga nzira dzouyo anoita nechisimba.
5. Nhambwe dzangu dzakarambira panzira dzenyu; tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.