Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 148:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. nemi mheni nechimvuramabwe, chando namakore, dutu remhepo rinoita zvaakareva,

9. imi makomo nemi zvikomo zvose, miti inobereka nemisidhari yose,

10. mhuka dzesango nemombe dzose, zvisikwa zvidiki neshiri dzinobhururuka,

11. Madzimambo enyika nendudzi dzose, imi machinda nemi vatongi vose panyika,

12. majaya nemhandara, vatana navana.

13. Ngavarumbidze zita raJehovha, nokuti zita rake iye oga iguru; kubwinya kwake kuri pamusoro penyika namatenga.

14. Akasimudzira vanhu vake runyanga, iyo rumbidzo yavatsvene vake vose, yaIsraeri, vanhu vari pedyo nomwoyo wake. Rumbidzai Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 148