Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 148:2-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Murumbidzei, imi vatumwa vake vose, murumbidzei, imi hondo dzake dzose dzokudenga.

3. Murumbidzei, imi zuva nomwedzi, murumbidzei, imi nyeredzi dzose dzinopenya.

4. Murumbidzei, imi matenga ari kumusoro-soro, nemi mvura zhinji iri pamusoro pamatenga.

5. Ngazvirumbidze zita raJehovha, nokuti akarayira, izvo zvikasikwa.

6. Akazviisa panzvimbo yazvo nokusingaperi-peri, akapa chirevo chisingazombopfuuri.

7. Rumbidzai Jehovha imi nyika, imi zvisikwa zvikuru zvegungwa nokwakadzika kwenyanza,

8. nemi mheni nechimvuramabwe, chando namakore, dutu remhepo rinoita zvaakareva,

9. imi makomo nemi zvikomo zvose, miti inobereka nemisidhari yose,

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 148