Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 147:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.

14. Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.

15. Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.

16. Anowarira chando samakushe, uye anoparadzira chando samadota.

17. Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu. Ndianiko angamira kana chando chake charova?

18. Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa; anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.

19. Akazarurira Jakobho shoko rake, mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.

20. Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi; havazivi mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 147