Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 146:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rumbidza Jehovha. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.

2. Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

3. Regai kuvimba namachinda, navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.

4. Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu; pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.

5. Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,

6. Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi.

7. Anotsigira mhaka yavakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 146