Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 145:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Zvose zvamakaita zvichakurumbidzai, imi Jehovha; vatsvene venyu vachakukudzai.

11. Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu, uye vachataura nezvesimba renyu,

12. kuitira kuti vanhu vose vazive nezvamabasa enyu makuru, nokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu.

13. Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi, uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kumarudzi ose. Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.

14. Jehovha anotsigira vose vanowa, uye anosimudza vose vakakotamiswa pasi.

15. Meso avose anotarira kwamuri, uye munovapa zvokudya zvavo nenguva yakafanira.

16. Munozarura ruoko rwenyu, uye munogutsa zvisikwa zvipenyu zvose nezvazvinoda.

17. Jehovha akarurama panzira dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 145