Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 144:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. iye anopa kukunda kumadzimambo, anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya.

11. Ndirwirei uye mundinunure kubva pamaoko avatorwa, vane miromo izere nenhema, vane maoko orudyi anonyengera.

12. Ipapo vanakomana vedu pauduku hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka, uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa kuti dzishongedze muzinda wamambo.

13. Matura edu achazadzwa nemhando dzose dzezviyo. Makwai edu achawanda nezviuru, nezviuru gumi mumafuro edu;

14. nzombe dzedu dzichatakura mitoro inorema. Hapachazovi nokuputswa kwamasvingo, hapangavi nokuenda muutapwa, hapangavi nokuchema nenhamo munzira dzedu dzomumisha.

15. Vakaropafadzwa vanhu avo vachaitirwa saizvozvi; vakaropafadzwa vanhu avo vana Mwari wavo Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 144