Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 143:3-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Muvengi anondidzinganisa, anondipwanyira pasi; anondiita kuti ndigare murima savaya vakafa kare.

4. Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu; mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.

5. Ndinorangarira mazuva akare kare; ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.

6. Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma. Sera

7. Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura; mweya wangu woziya. Regai kundivanzira chiso chenyu nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.

8. Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi, nokuti ndinovimba nemi. Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo, nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.

9. Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha, nokuti ndinozvivanza mamuri.

10. Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti muri Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.

11. Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu; ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.

12. Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi; paradzai vavengi vangu vose, nokuti ndiri muranda wenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 143