1. Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri. Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri.
2. Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana.
3. Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha; chengetai mukova wemiromo yangu.
4. Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa, kuti ndiitewo mabasa akaipa navanhu vanoita zvakaipa; ngandirege kudya zvinozipa zvavo.