Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 141:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri. Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri.

2. Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana.

3. Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha; chengetai mukova wemiromo yangu.

4. Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa, kuti ndiitewo mabasa akaipa navanhu vanoita zvakaipa; ngandirege kudya zvinozipa zvavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 141