5. Pavari ipapo, vakazara nokutya, nokuti Mwari ari paungano yavakarurama.
6. Imi vaiti vezvakaipa, munokanganisa urongwa hwavarombo, asi Jehovha ndiye utiziro hwavo.
7. Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni! Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake, Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare.