Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 139:4-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.

5. Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.

6. Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri.

7. Ndingaendepiko ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?

8. Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko.

9. Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa,

10. kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.

11. Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,”

12. kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita samasikati kwamuri.

13. Nokuti imi makasika zvomukati-kati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

14. Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.

15. Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,

16. meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.

17. Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!

18. Dai ndaiverenga, ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda. Pandinopepuka, ndinenge ndinemi.

19. Dai mukangouraya vakaipa, imi Mwari! Endai kure neni, imi vanhu vokuteura ropa!

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 139