19. Dai mukangouraya vakaipa, imi Mwari! Endai kure neni, imi vanhu vokuteura ropa!
20. Ivo vanotaura nemi nomurangariro wakaipa; vadzivisi venyu vanoshandisa zita renyu zvakaipa.
21. Ko, ini handivengi vanokuvengai here, imi Jehovha, nokusema vaya vanokumukirai?
22. Handina chimwe chinhu asi kuvavenga ivo; ndinovati vavengi vangu.
23. Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu; ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu.
24. Muone kana musina nzira yakaipa mandiri, mugondifambisa munzira isingaperi.