Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 139:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva.

2. Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.

3. Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose.

4. Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.

5. Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.

6. Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri.

7. Ndingaendepiko ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?

8. Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko.

9. Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa,

10. kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 139