Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 135:7-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika; anotumira mheni nemvura, uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake.

8. Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti, matangwe avanhu neemhuka.

9. Akatumira zviratidzo nezvishamiso zvake mukati mako, iwe Ijipiti, pamusoro paFaro navaranda vake vose.

10. Akaparadza ndudzi dzakawanda uye akauraya madzimambo ane simba,

11. Sihoni mambo weAmori, Ogi mambo weBhashani namadzimambo ose eKenani,

12. akapa nyika yavo kuti ive nhaka, nhaka yavanhu vake Israeri.

13. Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingaperi, mukurumbira wenyu, imi Jehovha, kumarudzi namarudzi.

14. Nokuti Jehovha achapupurira vanhu vake uye achava nenyasha pamusoro pavaranda vake.

15. Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu.

16. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona;

17. nenzeve, asi hazvigoni kunzwa, uye hamuna kufema mumuromo mazvo.

18. Vaya vanozviita vachafanana nazvo, saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo.

19. Haiwa imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha; haiwa imba yaAroni, rumbidzai Jehovha;

20. Haiwa imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; imi vanomutya, rumbidzai Jehovha.

21. Jehovha ngaarumbidzwe kubva kuZioni, iye agere muJerusarema. Rumbidzai Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 135