Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 135:3-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka; imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, nokuti ndizvo zvakanaka.

4. Nokuti Jehovha akasarudza Jakobho kuti ave wake, naIsraeri kuti ave pfuma yake.

5. Ndinoziva kuti Jehovha mukuru, uye kuti Ishe wedu mukuru kupfuura vamwari vose.

6. Jehovha anoita zvose zvinomufadza, kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose.

7. Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika; anotumira mheni nemvura, uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake.

8. Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti, matangwe avanhu neemhuka.

9. Akatumira zviratidzo nezvishamiso zvake mukati mako, iwe Ijipiti, pamusoro paFaro navaranda vake vose.

10. Akaparadza ndudzi dzakawanda uye akauraya madzimambo ane simba,

11. Sihoni mambo weAmori, Ogi mambo weBhashani namadzimambo ose eKenani,

12. akapa nyika yavo kuti ive nhaka, nhaka yavanhu vake Israeri.

13. Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingaperi, mukurumbira wenyu, imi Jehovha, kumarudzi namarudzi.

14. Nokuti Jehovha achapupurira vanhu vake uye achava nenyasha pamusoro pavaranda vake.

15. Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu.

16. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona;

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 135