Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 135:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai zita raJehovha; murumbidzei, imi varanda vaJehovha,

2. imi munoshumira muimba yaJehovha, muvanze dzeimba yaMwari wedu.

3. Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka; imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, nokuti ndizvo zvakanaka.

4. Nokuti Jehovha akasarudza Jakobho kuti ave wake, naIsraeri kuti ave pfuma yake.

5. Ndinoziva kuti Jehovha mukuru, uye kuti Ishe wedu mukuru kupfuura vamwari vose.

6. Jehovha anoita zvose zvinomufadza, kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose.

7. Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika; anotumira mheni nemvura, uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 135