Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 133:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!

2. Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro, anoerera kundebvu, anoerera kundebvu dzaAroni, anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.

3. Zvinoita sokuti dova reHerimoni riri kuwira pamusoro peGomo reZioni. Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha, ihwo upenyu husingaperi-peri.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 133