Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 130:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakadanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika;

2. haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.

3. Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvangu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira?

4. Asi kukanganwira kuri kwamuri; naizvozvo imi munotyiwa.

5. Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira, uye tariro yangu iri mushoko rake.

6. Mweya wangu unorindira Ishe kupfuura varindi vanomirira rungwanani.

7. Haiwa Israeri, isa tariro yako pana Jehovha, nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi uye kwaari kune dzikinuro izere.

8. Uye achadzikinura Israeri kubva pazvivi zvavo zvose.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 130