Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 127:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshandira pasina. Kana Jehovha asingachengeti guta, varindi vanomira vakarinda pasina.

2. Hazvina maturo kumuka mangwanani nokunonoka kuvata, uchitambudzikira zvokudya, nokuti anopa hope kuna vaanoda.

3. Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha, vana mubayiro unobva kwaari.

4. Semiseve mumaoko emhare ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 127