Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 123:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinosimudzira meso angu kwamuri, kunemi mune chigaro choushe kudenga.

2. Sokutarira kunoita meso enhapwa kuna vatenzi vadzo, sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake, saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, kusvikira atinzwira ngoni.

3. Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni, nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda.

4. Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna vanozvikudza, nokuzvidzwa kuzhinji kunobva kuna vanozvikudza.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 123