Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 121:2-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.

3. Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri;

4. zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.

5. Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri paruoko rwako rworudyi;

6. zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku.

7. Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako;

8. Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 121