Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 120:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu, uye anondipindura.

2. Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema, nendimi dzinonyengera.

3. Achaiteiko kwauri, uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera?

4. Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare, namazimbe anopfuta omuti womurara.

5. Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki, kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari!

6. Ndakagara nguva refu pakati pavanovenga rugare.

7. Ndiri munhu worugare; asi pandinotaura, ivo ndevehondo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 120