Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:98-105 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

98. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose.

99. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.

100. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.

101. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu.

102. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa.

103. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!

104. Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.Nuni

105. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119