Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:93-103 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

93. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu.

94. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema.

95. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu.

96. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo.Memu

97. Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.

98. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose.

99. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.

100. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.

101. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu.

102. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa.

103. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119