Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:91-99 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

91. Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai.

92. Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu.

93. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu.

94. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema.

95. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu.

96. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo.Memu

97. Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.

98. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose.

99. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119