Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:87-102 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

87. Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema.

88. Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu.Ramedhi

89. Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga.

90. Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kumarudzi namarudzi; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi.

91. Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai.

92. Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu.

93. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu.

94. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema.

95. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu.

96. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo.Memu

97. Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.

98. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose.

99. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.

100. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.

101. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu.

102. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119