Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:77-96 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

77. Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.

78. Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu.

79. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema.

80. Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa.Kafi

81. Mweya wangu unoziva nokushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

82. Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?”

83. Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu.

84. Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko?

85. Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu.

86. Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka.

87. Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema.

88. Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu.Ramedhi

89. Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga.

90. Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kumarudzi namarudzi; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi.

91. Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai.

92. Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu.

93. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu.

94. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema.

95. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu.

96. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo.Memu

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119