Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:73-85 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

73. Maoko enyu akandiita nokundiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu.

74. Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

75. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu.

76. Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu.

77. Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.

78. Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu.

79. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema.

80. Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa.Kafi

81. Mweya wangu unoziva nokushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

82. Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?”

83. Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu.

84. Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko?

85. Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119