Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:54-68 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

54. Mitemo yenyu ndiro dingindira rorwiyo rwangu pose pandinogara.

55. Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku, uye ndichachengeta murayiro wenyu.

56. Aya ndiwo anga ari maitiro angu: Ndinoteerera zvirevo zvenyu.Heti

57. Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu; ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu.

58. Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa.

59. Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema.

60. Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu.

61. Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu.

62. Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.

63. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu.

64. Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu, ndidzidzisei zvirevo zvenyu.Teti

65. Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu.

66. Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.

67. Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu.

68. Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119