Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:33-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichazvichengeta kusvikira kumagumo.

34. Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose.

35. Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro.

36. Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama.

37. Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119