Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:28-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.

29. Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu.

30. Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.

31. Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa.

32. Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.He

33. Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichazvichengeta kusvikira kumagumo.

34. Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose.

35. Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro.

36. Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119