Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:28-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.

29. Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu.

30. Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.

31. Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa.

32. Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.He

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119