Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:160-176 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

160. Mashoko enyu ose ndeechokwadi; mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi.Sini neShini

161. Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu.

162. Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyowana zvakapambwa zvizhinji.

163. Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu.

164. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.

165. Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa.

166. Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu.

167. Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru.

168. Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema, nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi.Tawu

169. Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha; ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu.

170. Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu.

171. Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo, nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.

172. Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu, nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama.

173. Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira, nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu.

174. Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.

175. Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira.

176. Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119