Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:130-140 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

130. Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.

131. Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu.

132. Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu.

133. Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga.

134. Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu.

135. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.

136. Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa.Tsadhe

137. Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama.

138. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo.

139. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu.

140. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119