Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:105-114 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

105. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.

106. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.

107. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.

108. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu.

109. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu.

110. Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu.

111. Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu.

112. Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo.Sameki

113. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu.

114. Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119